Kana ndikafa
Translated to Shona by @assata_burnerKana ndikafa
Raramai
Kuti mutaure nhau yangu
Kuti mutengese zvinhu zvangu
Kuti mutenge kajira
Netutambo
(Rive jira richena rine muswe yakareba)
Kuti mwana ariku ku Gaza
Paano tarisa denga muziso
Akamirira baba vake vakaenda nemoto
Vasina kuoneka
Kana kunyama dzavo
Kana kwavari
Achaona jira richi bhururuka mudenga, ramakagadzira
Ofunga kuti ingirozi
Raunza rudo
Kana ndikafa
Ngaiunze manake
Ngaiite nyaya